Matthew 19

Kurambana kwemurume nemukadzi

1Zvino zvakaitika apo Jesu apedza mashoko awa, akabva kuGarirea, akasvika kumiganhu yeJudhiya mhiri kweJoridhani. 2Zvaunga zvikuru zvikamutevera, akazviporesapo.

3VaFarisi vakauyawo kwaari, vachimuidza vachiti kwaari: Zvinotenderwa here kumunhu kuramba mukadzi wake nemhaka ipi neipi? 4Akapindura, akati kwavari: Hamuna kurava here, kuti iye wakavaita kubva pakutanga wakavaita murume nemukadzi? 5Akati: Nekuda kwaizvozvi munhu achasiya baba namai, uye achanamatira kumukadzi wake; avo vaviri vachava nyama imwe. 6Naizvozvo havachisiri vaviri, asi nyama imwe. Naizvozvo izvo Mwari zvaakabatanidza munhu ngaarege kuparadzanisa. 7Vakati kwaari: Mozisi wakagorairei kupa rugwaro rwekurambana, nekumuramba? 8Akati kwavari: Nekuda kweukukutu hwemoyo yenyu Mozisi wakakutenderai kuramba vakadzi venyu; asi kubva pakutanga zvakange zvisina kudaro. 9Asi ndinoti kwamuri: Ani nani anoramba mukadzi wake, kunze kwemhaka yeupombwe, akawana umwe, anopomba; neanowana wakarambwa anopomba.

10Vadzidzi vake vakati kwaari: Kana nyaya yemunhu nemukadzi yakadaro, hazvibatsiri kuwana. 11Asi akati kwavari: Vese havagamuchiri shoko iri, kunze kwevakaripiwa. 12Nokuti kune vatenwa, vakaberekwa vakadaro kubva mudumbu ramai; uye kune vatenwa, vakaitwa vatenwa nevanhu; uye kune vatenwa vakazviita vatenwa nekuda kweushe hwekumatenga. Anogona kugamuchira izvi, ngaagamuchire.

Jesu anoropafadza vanana

13Zvino kwakauyiswa kwaari vana vadiki, kuti aise maoko pamusoro pavo, anyengetere; asi vadzidzi vakavatsiura. 14Asi Jesu wakati: Tenderai vana vadiki, musavadzivisa kuuya kwandiri; nokuti ushe hwekumatenga ndehwevakadai. 15Akaisa maoko pamusoro pavo, akabvapo.

Jaya mufumi

16Zvino tarira, kwakaswedera umwe akati kwaari: Mudzidzisi wakanaka, ndingaita chinhu chakanaka chipi kuti ndive neupenyu husingaperi? 17Akati kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, ndiye Mwari. Asi kana uchida kupinda muupenyu, chengeta mirairo. 18Akati kwaari: Ipi? Jesu ndokuti: Usauraya, usapomba, usaba, usapupura nhema, 19kudza baba vako namai, uye, ude umwe wako sezvaunozvida iwe. 20Jaya rikati kwaari: Izvozvi zvese ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu; ndichiri kushaiwei? 21Jesu akati kwariri: Kana uchida kuva wakaperera, enda utengese zvaunazvo upe varombo, uye uchava nefuma kudenga; ugouya pano unditevere. 22Asi jaya rakati ranzwa shoko iro rikaenda richishungurudzika; nokuti rakange rine nhumbi zhinji.

23Jesu akati kuvadzidzi vake: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Mufumi ucharemerwa kupinda muushe hwekumatenga. 24Ndinotizve kwamuri: Zvakarerukira kamera kudarika nemuburi retsono, kumufumi kupinda muushe hwaMwari. 25Vadzidzi vake vakati vazvinzwa, vakashamisika kwazvo, vachiti: Saka ndiani angagona kuponeswa? 26Asi Jesu wakatarira akati kwavari: Kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvese zvinobvira.

27Ipapo Petro akapindura, akati kwaari: Tarirai, isu takasiya zvese, tikakuteverai; zvino tichava nei? 28Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Imwi makanditevera, pakuberekwa kutsva kana Mwanakomana wemunhu agara pachigaro cheushe chekubwinya kwake, imwiwo muchagara pazvigaro zveushe gumi nezviviri, muchitonga marudzi gumi nemaviri aIsraeri. 29Uye umwe neumwe wakasiya dzimba, kana vanin'ina nemadzikoma, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nekuda kwezita rangu, uchagamuchira zvine zana, akagara nhaka yeupenyu husingaperi. 30Asi vazhinji vekutanga vachava vekupedzisira, nevekupedzisira vekutanga.

Copyright information for Shona